Proverbs 23

1Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati,
nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
2uise banga pahuro
kana uri munhu wamadyo.
3Usapanga zvokudya zvake zvinonaka
nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
4Usazvionza nokuda kuwana pfuma;
iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
5Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda,
nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro
igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6Usadya zvokudya zvomunhu anonyima,
kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
7nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo.
Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
8Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya,
uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

9Usataura nebenzi,
nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.

10Usabvisa dombo romuganhu wakare
kana kupinda paminda yenherera,
11nokuti Mudziviriri wavo ane simba;
iye achavarwira pamhaka yavo newe.

12Isa mwoyo wako kumurayiro
nenzeve dzako kumashoko ezivo.

13Usarega kuranga mwana;
ukamuranga neshamhu, haafi.
14Murange neshamhu
ugoponesa mweya wake kubva parufu.

15Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera,
ipapo mwoyo wangu uchafara;
16mukatikati mangu muchapembera
kana miromo yako ichitaura zvakarurama.

17Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi,
asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
18Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro,
uye tariro yako haingaparadzwi.

19Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri,
uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
20Usabatana navaya vanonwa waini zhinji,
kunyange vaya vanokara nyama,
21nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo,
uye hope dzichavapfekedza mamvemve.

22Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,
uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa;
uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;
uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
25Baba vako namai vako ngavafare;
mai vakakubereka ngavafare kwazvo!

26Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako
uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
27nokuti chifeve igomba rakadzika,
uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
28Segororo anohwandira,
anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.

29Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa?
Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta?
Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
30Vaya vanogara pawaini,
vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
31Usatarisa waini kana yatsvuka,
kana ichivaima iri mumukombe,
kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
32Pakupedzisira inoruma senyoka
uye ine uturu semvumbi.
33Meso ako achaona zvisakamboonekwa
uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
34Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa,
kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
35Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara!
Vakandirova asi handina kuzvinzwa!
Ndichamuka rinhiko
kuti ndigotsvakazve waini?”
Copyright information for SnaBDSC